Mutevedzeri wemukuru wematare edzimhosva,  Justice Luke Malaba,  vanoti  havasi kufara nemashandiro ari kuita dare redzimhosva repamusoro, kana kuti High Court yemuHarare.

Vachivhura zviri pamutemo kutongwa kwedzimhosva mugore ra2012, VaMalaba vatiwo nyaya dziri kukwidzwa kudare iri dziri kuramba dzichiwanda izvo zvave kuremera vatongi vedare iri.

VaMalaba vati  nyaya dzakamhan’arwa kudare iri dzakakwira  nezvikamu makumi matatu nezvitatu kubva muzana  gore rapfuura.

Vati izvi zvinoratidza shanduko iri  kuitika munyaya dzehupfumi, matongerwo  enyika pamwe nemagariro ari kuita vanhu munyika. Vatiwo zvinoratidza kuti veruzhinji vave kufarira kuti nyaya dzavo dzitongwe mumatare.

VaMalaba vati kunyange  hazvo nyaya dziri kukwidzwa kudare reHigh Court dzakawanda, havasi kufara nekuti zhinji dzacho hadzisi kutongwa mukati menguva yakafanira.

Vati vatongi vemuHarare vanotora nguva yakareba kuti  vanzwe nyaya dzinenenge dzakwidzwa kudare iri.

Vati semuenzaniso,  panyaya chiuru nezana nemakumi mana neshanu dzevanhu vairambana, mazana matatu nemakumi mashanu nenhanhatu ndidzo chete dzakatongwa.

Vatiwo kana matare amajisitireti haasi kunyatso kutonga nyaya nekukasika sezvinenge zvakatarisirwa neveruzhinji.

VaMalaba vati kunyange hazvo vamwe vachiti vatongi vanofanira kuwedzerwa kuHigh Court yemuHarare, varipo vacho vanofanira kuita basa ravo nemazvo.

Varumbidza vatongi vemuBulawayo avo vati vari kuita basa ravo nemazvo vachiti vari kuedza napose pavanogona napo kunzwa nyaya dzese dzinenge dzaudzwa kudare iri.

Vatiwo  vatongi vematare eLabour Court muHarare, Bulawayo neGweru  vari kushandawo nesimba kupedza nyaya dzekunetsana nevashandi nevashandirwi vakati panoda kuwedzerwa vatongi kuitira kuti vapedze nyaya nekukasika sezvo dzimwe dzacho dzave nemakore akawanda dzisati dzapedza kutongwa.

Vazivisawo kuti pave negwaro remashandiro achange achiita vatongi vemumatare izvo zvichaita kuti vaiite basa ravo veruzhinji vasingagunun’uni.

Imwe  nyaya  ichabatwa negwaro iri ndeyezvipo zvinopiwa vatongi vematare edzimhosva.

Apo zvinhu zvanga zvakaoma munyika, bhanga guru renyika rakatengera vatongi vematare epamusoro materevhizheni nemotokari izvo zvakakonzera kuti vanhu vaone sekuti vatongi ava havachakwanisi kuita basa rawo vasina divi ravanorerekera.

VaMalaba vatenda mutongi wedare repamusorosoro, VaWilson Sandura, avo vakasiya basa pakati pegore rapfuura vachiti vaive mutongi aive nehunyanzvi hwakadzama uye vachapota vachidaidzwa kuzobatsira kumatare edzimhosva kunyange hazvo vave pamudyandingere.

Imwe nyanzvi munyaya dzezve matongerwo enyika inoshanda yakazvimirira, VaCharles Mutasa, vaudza Studio 7 kuti zvinhu zvinenge zvakanaka chose kuti nyaya dzehuwori dzigadziriswe mumatare, kuitira kuti matare arambe aine chiremera chaanofanirwa kuve nacho.