Komiti yeparamende iri kutungamira kunyorwa kwebumbiro idzva remitemo yenyika inoti yazopiwa mari inosvika  mamiriyoni makumi maviri nerimwe yemadhora eku America, kana kuti $21 million neUnited Nations Development Program, UNDP.

Hurongwa hwekunyorwa kwebumbiro idzva remitemo yenyika hwanga hwapinda panguva yakaoma sezvo panga pasina mari yekuitisa basa iri.

Panga paine mashoko anotiwo UNDP nekomiti yeparamende iri kutungamira kunyorwa kwebumbiro idzva remitemo yenyika, zvanga zvichinetsana zvichitevera kunonzi kusashandiswa zvakanaka kweimwe mari yakapihwa komiti iyi neUNDP.

Vamiri vemapato ari muhurumende anonzi akamboenda akanozeya nyaya iyi neUNDP, vachiedza kugadzirisa kusawirirana kwakange kuripo.

UNDP inonzi  yakazonyorerana chibvumirano nekomiti iyi svondo rapera mushure mekuwirirana pamashandiro achaitwa basa rekunyorwa kwebumbiro idzva.

Mumwe wemasachigaro ekomiti iyi, VaDouglas Mwondzora, vanoti mari iyi ichakwanisa kuita basa rose rinodiwa rekunyorwa kwebumbiro idzva.

VaMwonzora vatiwo vanovimba kuti kana zvinhu zvikafamba zvakanaka bumbiro idzva rinogona kupera kunyorwa muna Gumiguru.

Vati kana izvi zvaitika, referendamu inogona kuitwa muna Mbudzi gore rino.