Musangano wezuva rimwe chete wakarongwa nesangano re Health Partners International, wakapera muHarare nezuro, ukabuda nezvisungo zvakati kuti.
Zvisungo izvi zvinosanganisira kugadzirisa zvinhu munyaya dzehutano nechimbi chimbi, zvikuru munyaya dzekorera, HIV, malaria,TB nezvimwe. m
Musangano uyu wakapindwa nemasangano akazvimirira, masangano ari pasi pe United Nations, uye hurumende.
Musangano uyu wakazeyawo dambudziko revanopa mari, avo vanonzi vari kutyira mari dzavo, sezvo zvinhu zvisina kumira zvakanaka munyaya dzezve matongerwo enyika.
VaTendai Kureya ndivo mutauriri weHealth Partners International muZimbabwe. VaKureya vanoti musangano uyu wakabuda nezvisungo zvakasimba zvinokwanisa kuburitsa nyaya dzehutano kumatope kwahwanga hwaenda kana zvikatevedzerwa.
Sangano re Community Working Group on Health rakapindawo musangano uyu. Executive director vesangano iri, Va Itai Rusike, vanoti vakanzwa kukurudzirwa mumusangano uyu sezvo vanhu vaitaura zviri pachena pamusoro pezvinhu zvinoda kugadziriswa munyika munyaya dzehutano.
Dzimwe Nhau Kubva KuStudio7...
