Maita mvongamupopoto yezvematongerwo enyika mubato reZanu-PF, zvichitevera makakatanwa ari kuitika panyaya yezvinzvimbo zviri kukwikwidzwa pamusangano mukuru we congress mwedzi unouya.

Musangano uyu unoitwa kamwe chete mumakore mashanu apo panosarudzwa hurungamiri hutsva.

Mutungamiri webato iri, VaRobert Mugabe, vakatotsigirwa pasina anopikisa kuti varambe vari mutungamiri webato iri. Zvimwe zvigaro zviri kukwikwidzwa zvepamusoro ndezve vatevedzeri vaviri vemutungamiri webato iri, sachigaro webato, nezvimwe.

Sachigaro weZanu PF, VaJohn Nkomo, vanonzi vatsigirwa nematunhu mashanu kuti vave mumwe wevatevedzeri vemutungamiri webato iri. Munyori anoona nezvekufambiswa kwemabasa muZanu-PF, Va Didymus Mutasa, Va Kembo Mohadi, Va Obert Mpofu naVa Simon Khaya Moyo, ndivo vari kuburitsirana makano pachinzvimbo chasachigaro webato vari.

Ukuwo madzimai ari kutatsurana zvakaipa – Muzvare Oppah Muchinguri vasarudzwa neMasvingo kuti vave mumwe wevatevedzeri vemutungamiri weZanu PF. Muzvare Muchinguri vachange vachikwikwidzana na Amai Joyce Mujuru, vanonzi vasarudzwa nematunhu masere.

Izvi zvinoreva kuti Amai Mujuru vacharamba vakabata chinzvimbo chavo chemutevedzeri wemutungamiri weZanu PF. Va Joram Gumbo ndivo chief whip we Zanu-PF mudare reparamende.

VaGumbo vaudza Studio Seven kuti kukwikwidzana kuri kuitika muZanu PF, hakurevi kuti Zanu-PF yaparara.

Va Joy Mabhenge vanoongorora nyaya dzezvematongerwo enyika, uye vachishanda ne sangano re Institute for a Democratic Alternative Zimbabwe (IDAZIM).

VaMabhenge vati zviri kuitika mu Zanu-PF zvinoratidza kuti bato iri raparara kwete kuti ine hutongi hwejekerere.