Vari kutungamira munhaurirano dzekugadzirisa makakatanwa ari muhurumende yemubatanidzwa, vasangana muHarare neMuvhuro paine chinangwa chekumutsiridza nhaurirano sezvakatarwa neSADC kuMaputo kutanga kwemwedzi uno.

SADC yakatara mazuva makumi matatu ekuti zvinetswa zviri kutadzisa kuti hurumende yemubatanidzwa ifambire mberi, zvinge zvagadziriswa. Asi mazuva gumi nemashanu ekutanga akatodarika pasina zvati zvaitwa. Chikwata ichi chaifanirwa kusangana svondo rapera, asi vanomirira MDC inotungamirwa naVaArthur Mutambara, munyori mukuru webato iri, VaWelshman Ncube, pamwe nemutevedzeri wavo mubato iri, Amai Priscilla Misihairambwi Mushonga,  vakanga vari kunze kwenyika.

Nyaya dziri kunetsa zvikuru pakati paVaMugabe naVaTsvangirai inyaya dzinosanganisira kugadzwa kwakaitwa gavhuna webhanga guru renyika, VaGideon Gono, kugadzwa kwemuchuchisi mukuru wehurumende, VaJohannes Tomana, kusagadzwa kwemagavhuna eMDC mumatunhu akakunda bato iri, pamwe nekusagadzwa kwaVaRoy Bennett semutevedzeri wegurukota rezvekurima, uye kusungwa sungwa kuri kuitwa nhengo dzeMDC.

Studio7 yatadza kubata vari munhaurirano idzi kuti tinzwe mafambiro aita zvinhu neMuvhuro. Asi nyanzvi munyaya  dzezvematongerwo enyika, uye vari mudzidzisi paUniversity of Zimbabwe, Professor John Makumbe, vanoti vanoona paine kutsika madziro kwakasimba pakati peMDC ne Zanu PF.