Zimbabwe inoti yatanga kuburitsa mauto nemapurisa kwaMarange sezvakatarwa ne Kimberly Process. Gurukota remigodhi, VaObert Mpofu, vaudza bepanhau re Herald kuti mauto atanga kubuda kuminda yemangoda iyi vachitevedzera zvakatarwa ne KP pamusangano wakaitirwa kuNamibia.
Sachigaro ve Kimberly Process, Va Bernard Esau, vaudza Studio7 kuti chingava chinhu chakanaka kana Va Mpofu vari kutaura chokwadi, asi ivo veKP vachaendesa nhumwa dzavo kunozvionera kuti ichokwadi here pane zviri kutaurwa nehurumende.
Va Esau vati KP iri mushishi kutsvaga munhu achashanda neZimbabwe kuitira kuti nyika iyi igaziriswe zvinodiwa ne KP.
Va Dewa Mavhinga ndivo chipangamazano musangano reHuman Rights Watch, iro riri kuongoroora zviri kuitika kwaMarange.
Va Mavhinga vanoti chingava chinhu chakanaka kana chiri chokwadi kuti hurumende yabvisa mauto nemasoja ayo kuminda yemangoda kwaChiadzwa. VaMavhinga vatiwo hurumende inofanirwa kuona kuti masoja nemapurisa akambunyikidza vanhu atongwa zviri pamutemo.
