Pane kusawirirana kukuru muZANU-PF mudunhu reMashonaland West pamusoro penyaya yekutsvaga munhu anofanirwa kumirira bato iri musarudzo yaseneta achange achimirira ZANU-PF muChegutu.

Sekutaura kuri kuita mutori wedu wenhau, Arthur Chigoriwa, makakatanwa aya anotevera kudomwa kwaMai Edna Madzongwe semutungamiri wedare reseneti.

Gadziriro yesarudzo dzema by-elections iri kuenderera mberi munzvimbo nhanhatu, zvisinei nekuti masangano anoongorora sarudzo, ari kugunun’una nenguva iri kuda kuitwa sarudzo idzi.

Sarudzo idzi dzakatarisirwa kuitwa ku Guruve North, Gokwe-Gumunyu, Matobo North, Chegutu, neGokwe South.

Sachigaro ve Zimbabwe Electoral Commission, VaGeorge Chiweshe, vanoti kunyange hazvo vasati vatara zuva resarudzo idzi, vari kuenderera mberi nekugadzirira sarudzo idzi, vachitevedzera zvinodiwa nemutemo wesarudzo.

Mutori wenhau weStudio 7, Carole Gombakomba, aita hurukuro naVaChiweshe avo vanoti vari kugadzirira sarudzo idzi, zviri kuenderana nemutemo wesarudzo kwete kutevedzera zvakawiriranwa nevemapato ezvematongerwo enyika.

Ukuwo National Director ve Zimbabwe Election Suppport Network, Amai Rindai Chipfunde –Vava, vanoti dai sarudzo idzi dzambomira kuitwa.

Mai Chipfunde–Vava vaudza Carole Gombakomba weStudio7 kuti sarudzo idzi dzinogona kuunza mhirizhonga munyika sezvakaita pasarudzo yerun-off yemutungamiri wenyika.

 

Dzimwe Nhau Kubva ku Studio7...