Vabereki nevarairidzi vasimudzira hurumende makano, pamusoro penyaya yekutadza kubhadhara mari yebvunzo, kwakaitwa nevana vechikoro vakawanda. Masangano evarairidzi anosimboita makare asionane anoti reZIMTA nePTUZ, abatana rwendo rwuno mukushora hurumende.
Sangano rePTUZ rinoti ongororo yaro inoratidza kuti vana zvikamu makumi manomwe kubva muzana, kana kuti 70%, vakatadza kudhadhara mari yekunyora bvunzo. Pabvunzo ye “O” Level, chidzidzo chimwe chete chinoita madhora gumi eku America. Bvunzo yakakwana ye “O” Level inofanirwa kunge iine zvidzidzo zvisere, izvo zvinoreva kuti munhu wega anofanirwa kunge achibvisa mari inoita makumi masere emadhora eku America.
Mugwaro re “A” Level, vadzidzi vari
kunzi vabhadhare mari inoita madhora makumi maviri eku America pachidzidzo
chimwe chete. Mudzidzi mumwe anofanirwa kunyora zvidzidzo zvisiri pasi
pezvitatu, nokudaro munhu anofanirwa kubvisa mari inoita makumi matanhatu
emadhora eku America kuitira kuti anyore bvunzo.
Mari iyi yaifanirwa kunge yakabhadharwa nemusi wa25 Gunyana. Vabereki vari kuchemachema kuhurumende kuti igadzirise nyaya iyi, sezvo vazhinji vavo vakakundikana kubvisira vana vavo mari idzi. Asi gurukota rezvedzidzo, VaDavid Coltart, vanoti hapana kudzokera kumashure panyaya iyi.
Kunyange hazvo Zimbabwe yaimbotungamira munyaya dzedzidzo muAfrica, dzidzo munyika yadzikira zvikuru sezvo vana vasina mabhuku, uye vadzidzisi vanogara vachiramwa mabasa.
Mutungamiri wePTUZ, VaTakavafira Zhou, vanoti hurumende inofanirwa kunzwira tsitsi vabereki vari kutambura, kuitira kuti vana vakwanise kunyora bvunzo.
Ukuwo nyanzvi munyaya dzehupfumi, VaProsper Chitambara, avo vanoshanda nesangano ravana chipangamazano reLabour and Economic Development Reseach Institute of Zimbabwe, vanoti vanhu vakawanda munyika havana mari, nokudaro hurumende inofanirwa kuona kuti yagadzirisa nyaya yebvunzo idzi.
Dzimwe Nhau Kubva kuStudio7...
