Vamwe vabereki vari kuchema-chema nehurongwa hwakaitwa nebazi rezvedzidzo hwekuti vana vasina kukwanisa kubhadhara mari dzebvunzo dze”O” ne”A” Level, vakwanise kunyora vachizobhadhara mari idzi mukati memwedzi mitatu.
Vabereki ava vari kuti hurongwa uhu hunomanikidza vana kunyora magwaro mashoma pane avanenge vachida, uye havatarisiri kunge vapedza kubhadhara mari idzi mukati memwedzi mitatu.
Vana vanodarika zvikamu makumi manomwe kubva muzana, vanonzi vakatadza kubhadhara mari dzekuti vanyore bvunzo gore rino.
Svondo rapera hurumende yakazivisa kuti yawedzera mazuva ekuti vana vasina kukwanisa kubhadhara mari dzebvunzo, vange vanyoresa panosvika musi wa16 Gumiguru, uye mari idzi dzinozobhadharwa pashoma nepashoma kutanga mwedzi uno Gumiguru kusvika Ndira wegore rinouya.
Vari kuda kunyora “O” Level vachangobvumidzwa kunyora magwaro matanhatu chete, uye vachitarisirwa kubhadhara US$10.00 pagwaro rimwe chete. Ve”A”Level vachabvumidzwa magwaro matatu chete uye vachitarisirwa kuzobhadhara madhora makumi maviri pagwaro rimwe chete.
Mumwe mubereki ane vana vaviri vari kunyora bvunzo, VaGeorge Chigutsa, avo vanogara kuGlen Norah A muHarare, vanoti kana vachitadza kubhadhara mari dzechikoro patemu, vangazokwanisa seyi kuwana mari yakawanda yebvunzo iyi.
Masangano anomirira varairidzi eZimta nePTUZ anoti anotambira danho rakatorwa nehurumende pakuti vana vasina kukwanisa kubhadhara mari yebvunzo, vakwereteswe mari iyi nehurumende vachizodzosera chikwereti ichi. Asi masangano aya anoti hurumende inofanirwa kutsvaga nzira dzekugadzirisa dambudziko iri.
Vakafanobata chigaro chaChief Executive weZimta, VaSifiso Ndlovu, vanoti hurumende inofanirwa kutsvaga nzira dzekubatsira vana vechikoro, kwete kukweretesa vabereki vavo mari dzebvunzo.
Ukuwo, National Coordinator we PTUZ, VaOswald Madziwa, vanotiwo pakutara magwaro anofanirwa kunyorwa nevakatadza kubhadhara mari yebvunzo, hurumende iri kudimura mikana yekuti vana ava vashandise magwaro avo efundo.
Dzimwe Nhau Kubva kuStudio7...
