Vadzidzi vana vepa Bindura University of Science Education, vakasungwa neMuvhuro vachipomerwa mhosva yekukonzera mheremhere.
Asi vadzidzi ava vanoti vakanga vachitsvaga rutsigiro musarudzo dzekutsvaga hutungamiri hwe Students Representative Council yepachikoro chikuru ichi.
Vakasungwa ndiTafadzwa Kutya, Respect Ndanga, Welcome Zimuto nemumwe anongonzi Mudzengi.
VaBlessing Vava ndivo mutauriri weZINASU. VaVava vanoti mapurisa ari kugara akatyora kodzero dzevadzidzi vanenge vachiita zvavo mabasa ane chekuita nedzidzo yavo.
Kusungwa kwevadzidzi kunoitika zuva rimwe chete mapurisa asunga zvakare mutungamiri weZCTU, VaLovemore Matombo nevamwe vavo kuVictoria Falls. Vasungwa ava vanga vachitarisirwa kumiswa pamberi pedare neChipiri, asi izvi hazvina kuitika. Magweta enhengo dzeZCTU anoti ava kutarisira kuti vasungwa ava vamiswe pamberi pedare neChitatu.
