Bhodhi re Broadcasting Services
rakavandudza mari dzemarezenisi dzinofanirwa kubviswa nemakambani ari
kuda kutanga nhepfenyuro muZimbabwe. Mari idzi dzakaburitswa muGovernment Gazette musi wa 7 Nyamavhuvhu.
Vanoda kutanga
nhepfenyuro vanofanira kubhadhara mari inosvika US$2,500 semari yekunyoresa, uye US$18,000 semari
yerezenisi kwemakore gumi.
Vari kuda kutanga materevhizhoni vachabvisawo US$2,500 yekunyoresa, uye US$20,000 semari yerezenisi kwemakore gumi. Mari dzerezenisi dzinogona kubviswa pashoma nepashoma apo rezenisi rinenge richiri kushanda.
Vanoda kutanga nhepfenyuro
mumatunhu kana kuti Community Radio, vanobvisa madhora mazana mashanu
eku America semari yekunyoresa, uye US$1,500 semari
yerezenisi.
Sachigaro venhepfenyuro iri kuda kutangwa kuManicaland, yeMakomo Community Radio,
VaKelvin Jakachira, vanoti mari dziri kudiwa nehurumende dzakawandisa
zvekuti dzichatadzisa vari kuda kutanga nhepfenyuro vasina mari yakawanda. Va
Jakachira vati nhepfenyuro dzidiki dzinofanira kubhadhariswa mari shoma
nekuti ndinobatsira vanhu mumatunhu avagere.
Mutungamiri Zimbabwe Union of Journalists, Va Mathew Takaona, vanowirirana naVa Jakachira. Va Takaona vanoti mari dziri kudiwa dzakawandisa, uye zvichapa kuti vanhu vane mari kare vave ivo vachaita nhepfenyuro idzi vega.
