Sangano reCommercial Farmers Union rinoti nhengo dzaro dziri kugara dzakabatira ura mumaoko, sezvo dziri kushungurudzwa mumapurazi adzo.
Vachitaura nevatori venhau neChishanu, mutungamiri weCFU, VaDeon Theron, vanoti kusagadzikana kuri mumapurazi, kuchaita kuti goho regore rinouya ringe risina kumira zvakanaka. VaTheron vanoti pane varimi zana nemakumi mashanu vane nyaya dziri mumatare pari zvino, uye matare ari kutora nguva yakareba kutonga nyaya idzi.
VaAbel Chikomo ndivo Executive Director veZimbabwe Human Rights NGO Forum. VaChikomo vanoti ichokwadi kuti kodzero dzevarimi dziri kutyorwa mumapurazi.
