Vanhu vari kushanyira Zimbabwe vawanda zvakapetwa katatu zvekuti vanhu vanosvika 362,000 vakatoshanyira Zimbabwe kubva pakaumbwa hurumende yemubatanidzwa, nyika ikawana mari inodarika mamiriyoni zana emadhora eku America.

Munguva imwe cheteyo gore rapera, nyika yakawana vashanyi vanosvika zviuru zana chete.

Vachitaura mu South Africa kumusangano wakaitwa wekukurudzira vanhu kuti vashanyire Zimbabwe, mutungamiri we Zimbabwe Council of Tourism, Va Emmanuel Fundira, vakati hurumende itsva yaita kuti vanhu vazhinji vade kushanyira Zimbabwe.

VaFundira vakati makore gumi apfuura, Zimbabwe yakawana mari inosvika 250 million US dollars, ikazodzika zvinotyisa kusvika pa 40 million US dollars muna 2005.

Chief Executive Officer veAfrica Sun, Va Shingi Munyenza, vatiwo zvinhu zviri kufamba zvekuti mahotera muHarare ava kuzara zvekare nevashanyi.

VaKarikoga Kaseke ndivo CEO veZimbabwe Tourism Authority.

VaKaseke vati Zimbabwe yava kuwonekwa senyika yadzikama uye hurumende dzekunze dzakaita sedzemubatanidzwa we European Union dzabvisa cherechedzo dzairambidza vanhu vadzo kuvhakachira Zimbabwe.

Dzimwe Nhau Kubva Ku Studio7...