Nhengo dzeSports Writers Association of Zimbabwe, kana kuti (SWAZ) dziri kusangana muguta reKwekwe neMugovera kuti dzisarudze vatambi gumi nemumwe chete vakatamba zvinonwisa mvura gore rino.
Sangano iri richasarudzazve varairidzi vezvikwata zvenhabvu vakarairidza nemazvo gore rino, pamwe nevaridzi vepito vakaratidza hunyanzvi hwavo pabasa iri gore rino.
Mabiko nekudomwa kweavo vachawana mikombe yegore rino achaitwa musi wa 17 Zvita.
Murairidzi akarairidza nemazvo gore rino, pamwe nemuridzi wepito akaratidza zvine hunyanzvi, achapihwa mubairo wemari inoita US$2 000 pamunhu.
Mutambi achakunda pamakwikwi aya achawana mari inoita US$4 000, wechipiri achiwana mari inosvika US$2 000, wechitatu achipihwa mari inoita US$1 400.
Vamwe vatambi vanosvika vasere vachapihwa mubairo we US$800 pamunhu. Mubati webhora akabata zvine hunyanzvi nemutambi akakwanisa kunwisa zvibodzwa zvakawanda mwaka uno achawana mari inoita US$1 100.
Mutori wenhau dzemitambo, George Mupfuti, anoti makwikwi aya achanakidza rwendo rwuno sezvo paine vanhu vakawanda vakatamba zvinonwisa mvura.
